Part 3 Harare Girls
I sat on the edge of bed lyk a choir gal on honeymoon. Dai ndaiva nekashagi ndaiwana pekutangira. Maface emughetto hatina mari yatinomboshafa paside in case of emergency. Our savings acc is the back pocket, ikaiswa kufront pocket yatove 'u only live once'
Most ppl don't understand why I was sweating in winter. Momz yangu can vava. Make no mistake,she is a very devoted christian with Mahendere CD that nvr bn removed from the DVD since 2015. Bcoz of what I am abt to say, if I mention church yavanopinda, I will be sued by vanhu veUMC
Momz yangu ine short fuse zvekuti ukaita offside inokutema nechinhu chainenge yakabata ipapo.Muden medu chinhu chega chandisina kumbotemwa nacho is TV and kitchen unit bcoz one TV yakamountwa kumadziro and two kitchen unit is fitted. #africanparents
Anyway ndakaona kut ndikadelayer kubuda ndaizoitirwa murder mubedroom better ndiende kunamdara at least he will testify as witness kuti zveshuwa mwana anga asina weapon. My move was too late, mai Chris vakabva vapinda bvandangotanga kuomoka ndega giving same report iya yekuporisi
First name yamdara ndiWilson asi ukanzwa zvanzi "iwe mwana waHwirison ukuda kumbotiiko" chinenge chatokala. Mdara akangonzwa maungira ndiye nyahwa nyahwa takazongonzwa gedhi rakuvharwa shasha yarova pasi. Sistren yakabva yatovharawo door rayo. Just me against the world now
Mdara aisada zvinomunetsa bcz moms had a way yekuzochinja nyaya yosara yamumonera. He was a jovial person hake. Only time yaakanditsamwira for a week ndepaakambondituma kunotenga powdered milk ndikauya neCremora, I cldnt understand it until day randakamuona achidya Everyday milk
"Ndini ndakakuzvara,ndini ndobvumidzwa kukupedzisa &mapurisa haana zvaanondiita" sh continued and I hd no reason to doubt. "Dzokera kunotora mari nefone iwe mwana waHwirison". Apedza zvake mwana weMoyo ungamudii. Gindron racho harina reverse. Ndini uyo ndabuda neclear instruction
Wakambopiwa a clear instruction wobva watotanga kuiita but usati watanga kuiita. Muroad ndaamo ndakungodzungaira baba wangu nhiya iwe. Ndakazongoerekana ndasvika paJimalo bvandasvikawo mdara arikutotenga Castle yake , "Pakaipa ka Madyira" achiseka kana kumbobvunza kuti wakaitei
After 17 minutes recounting my story mdara akabva andibvunza hake kuti is it true kuti Macheso ane album nyowani? Hah unoita weak...
Takazongodelayer delayer hedu bvatabaya paden. Malema vanga varara havo but I made sure kuti ndakiya bedroom door rangu the old fashioned way (see pic below)in case some people try to be clever in the dead of the night
Ukaona munhu uchibatwa nehope hupenyu hunenge huchifamba mutefetefe. Ndakazobiwa ndidzo around 4 am but moms ichimuka kutsvaira payard ndangandatomuka bvandazvisimbisa ndichiquoter Bible here or Shakespeare?? "Today looks like a good day to die"...or maybe it was James Bond
Ndakuda kugeza kumeso kambudzi kakabva karinger bvandadaira ndichiita zvekuwhisper bvandanzwa ,"unototaira zwako nenguba yako nhaika,manje swika paCentral izwozwi ubone banhu baripano ipapa", uyu ndiSgt Sibanda. Hakuna umwe. Chinono chinengwe bla bla bla
Ndakasvika paCentral ndichifemera kumusana seguruze dikita ririmuchiuona. Ndakananga pacounter Sgt Sibanda vakamira zvikanzi tarisa vanhu varikuseri ndichingocheuka kudai ndakabva ndatarisana neka 'wifey' kaya kakagariswa pasi dzakachena mumaoko ndikati ndiko aka shtupid yemunhu
Sgt Sibanda explained kuti girls iri ranga rabatwa kuneimwe night club rarova same staira kune umwe minisita.... weimwe church (ndikataura zita rayo I will lose followers and likes) Sgt vakati kababe kaya was willing kundipa fone kozondidzorera cash yangu tmrw asi tauriranai mega
Kababe kaya kakabva kati ok fone yako iyi pliz I promise ndokupa mari tmrw you can even hold on to my car keys. Handina kunonoka kutambira. Ndakatozviona ndamuMark X ndichisvika areaz yangu maface ndichimaudza kuti ndoyandakapinza but ndakaiwanira buyer tmrw inenge yabaya
Kababe kaya kabva kati pliz let me take your number and I'll beep you now now. Bvandakapa bvakadialer and zveshuwa yakabva ya ringer. Zvikanzi save my number ndinonzi ****gh. Ndakabva ndatarisa fone yangu and realized I had her number. "Tweleb" calling
#realghettodiary
Share this Scrolly Tale with your friends.
A Scrolly Tale is a new way to read Twitter threads with a more visually immersive experience.
Discover more beautiful Scrolly Tales like this.