Ghetto Diary 🔥 Profile picture
Writer, Comedian, Poet, Former Class Monitor Lover of sports, cricket is bae, ManU since primary

Aug 8, 2021, 13 tweets

DATING HRE GIRLS: BODY COUNT EDITION Part 2
#goodghettovibe
A Thread

2.1 Someone once said kuti pane munhu achazongodaidzira ari pakati petonaz CBD kuti "hah vakadzi so" obva angodonhera pasi nekutoti zii ipapo ipapo. Anyway we move..So nebabe rangu we continued bho zvekuti....

2.2Babe was always full of surprises nomatter the day. Rimwe day babe had a workshop kuVic Falls so rakati I'm booking a flight ndoda uuye the following wknd. (Hey that flight I will have a thread on its own bcoz it was my first ever)

2.3 So ndini uyo ndasvika kuHotel kwaigara babe zvikanzi I have a surprise for you daddy, ko ndanga ndatosvika malevels ekunzi daddy, zvana bae izvo ndezvekushaya. So akabva anditora ndiye neni downstairs ndakavharwa maziso, chaive chirungu chete apa ndakadya easy sehwai

2.4 Ndichidzika ndakangonzi surprise bvandavhurwa maziso. Wanike ndaiswa mu Massage Parlor. Zvinhu zvese zvakasetwa setwa. Hanzi we are celebrating 2 months. Akomana wee. Bvandangobhaiza kuchema

2.5 Bvandakandirwa morning rob nekasikana kamukedha kaprincess Sofia not zvana Peppa Pig. Uku babe rakabva radzokera ku workshop. Ndakabva ndapfeka rob riya but bhutsu handina kubvisa nekuti kaCarbon dioxide kacho kaigona kuzovhiringa hotera yevaridzi

2.6 Ndakatangwa nekumeso nakedha ndakanatsoeeza kunge munhu azvijaira but ganda remunhu asina cash rinongozvitengesa rega plus roda kutokwizwa chaizvo

2.7Kedha akasvika pakuritadzawo kusvika aisawo tuupfu mbijana. Ndakaona akuuya nemagaka ndikangoti pakuda kuuya kagochi gochi but to my surprise kedha akaisa mumaziso mangu. Ndakanzwa kurelaxer wo zveshuwa.ndakambosiiwa ndakadaro for some minutes bvandanzi turn over utarise pasi

2.8 Ipapo ndopakada kutanga hondo yese. Massage yekumusana varume vazhinji vanootarisira but ummm...ndakatangwa kunzwa nyama dzese kuvhita vhita kunge R Kelly....ummmm

2.9 Ndakangosimudzira musoro ndichiti ooooh, kedha akamboti relax ndikati ummmm handichatogone pliz dai wandisiya hako coz ndaabho ini

2.10 Akada kunditsimbirira pasi negokora ndikamuti pliz patoipa pano ini ndakurirwa pafeya ndisiyei hangu. Ndini simu ndichinhonga rob riya uku maoko ochibvunda zvino

2.11Ndakangoti kana mabika musare mudye henyu ini touch ndichitizira mutoyaz..shuwa massage is not for the weak

2.12Next time ndikanzi massage ndotanga ndanwa mapiritsi aya

2.13But still secret yababe do i tell her kuti ndakuiziya and risk being deported back to Fiyo....or I should just keep quiet....or I must tell you abt my experience mundege. Watch out for Part 3
#goodghettovibe

Share this Scrolly Tale with your friends.

A Scrolly Tale is a new way to read Twitter threads with a more visually immersive experience.
Discover more beautiful Scrolly Tales like this.

Keep scrolling