👇
Ipapo phone yangu yabva yarira, ndaidaira zvikanzi huya paita heavy zi dhiri rine 150
Handina kana kugeza ndangochinja nekunanga ku zupco 🏃🏃🏃
Just before show ground paya mota bvayanzi na officer pull over
Ndipo pandabva ndagaya kuti handina tsamba kana mask 😂
Ndangobata pondo US yanga iri muhomwe.
Ndabva ndanzi iwewe huya apa. Tsamba iripi.
Gunners vanga vachityisa kutaura fair. Ranga rakakura boys.
From nowhere ndazongoona ndatanga kurova sign language ✋👆👉👈👎👍✊👊🙏👇👌👋
😂 Driver avhura ziso nekushamisika. Road yese tichitaura nyaya ye Man City vs Liverpool
Apa phone iri kurira muhomwe ndirikufanira ku confirmer kuti bho dhiri
Vachingondisiya chete, baba ndavhura bara ndichipinda nemu traffic ndakananga ku Glo service station 😂
Ndangonzwa zi voice richiti "uyo uyo uyo"
Temple Run
Pamhanya munhu. Apa zi road racho ringori straight hapana kana corner yekurova nayo skillful
Haaa ndafamba. Apa jah man vaye varikungotevera
Ndanga ndapera power. Haa ndazongoti rega ndimire ndinzwisisane nemukomana uyu iperere musango nyaya yacho
Ndangosimudza ka pondo kaya ne phone mudenga
Jah man ava vanga vatotizawo 😂
Imagine my relief
Tazofamba tese tikabudira kune Zupco HQ uko